Acts 1

Kukwira kwaJesu kudenga

1Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvese Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa, 2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza; 3vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari. 4Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni; 5nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino.

6Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here? 7Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo; 8asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvese paJerusarema nemuJudhiya mese nemuSamaria, kusvikirawo kumugumo wenyika.

9Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo. 10Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena; 11ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.

Vadzidzi vanogarira Mweya

12Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata. 13Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vese Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho. 14Ava vese vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.

Vanosanangura Matiasi panzvimbo yaJudhasi

15Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri): 16Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu, 17nokuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu. 18Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze. 19Zvikanzwikwa kuvagari vese paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa. 20Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore. 21Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yese, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu, 22kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake. 23Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi. 24Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevese, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza, 25kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake. 26Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.

Copyright information for Shona